Chii chinonzi gonoriya?


Gonoriya chirwere chinotapuriranwa pabonde (STI) chinokonzerwa nebhakitiriya inonzi Neisseria gonorrhoeae.

Ndingatapukirwa sei negonoriya?


Unogona kuwana gonoriya kuburikidza nekuita zvepabonde nekuzasi, kunobuda netsvina kana kuti nemuromo nemunhu ane gonoriya.

Unogona kuwana gonoriya kune mumwe munhu kunyange kana asina zviratidzo.

Mukadzi ane pamuviri anokwanisa kupa mwana utachiona panguva yekusununguka.
Mwana anogona kutora utachiona hwemaziso uye anogona kuva bofu.

Haugoni kuwana gonoriya kubva muzvimbudzi zveruzhinji, maduhwino eruzhinji kana kuti pakugarisana nevamwe vanhu.

gonoriya inoitei kumuviri?


Gonoriya inogona kukanganisa pahuro, kunobudisa tsvina, kunobudisa weti, muromo wechibereko nemaziso.
Kana ikasarapwa, gonoriya inogona kukonzera zvirwere zveganda nemajoini. Gonoriya inogona kukonzera meninjaitisi. Meninjaitisi utachiona hunokanganisa uropi.
Kuvanhukadzi, gonoriya inogona kukonzera utachiona hwakakomba yovatadzisa kuva nembereko.

Mukadzi ane pamuviri anokwanisa kupa mwana utachiona panguva yekusununguka. Mwana anogona kutora utachiona hwemaziso uye anogona kuva bofu.

Ndinoziva sei kana ndine gonoriya?


Kakawanda kacho, vanhu vazhinji havazivi kuti vane gonoriya nokuti havana zviratidzo.
Nzira chete yekuziva kana une gonoriya ndeyekutariswa nachiremba. Panotariswa weti, hazvitori nguva uye zviri nyore.
Imwe nzira ndeyokukwiza pane utachiona nedonje, donje rozotariswa kuti rine gonoriya here.

Zviratidzo zvegonoriya

Kuvanhurume
• kurwadziwa kana kutsva pakuita weti
• kubudisa tsvina nepamboro. Tsvina inowanzova chena kana yero
• kuzvimba mabhora achirwadza
• kutsvukuruka musoro wemboro
• kubudisa tsvina kana kurwadziwa
• zvirwere zvemaziso

Kuvanhukadzi
• kubudisa tsvina nebeche kusingawanzoitiki
• kubuda ropa nepabeche
• kurwadziwa kana uchiita weti
• kurwadziwa pamuromo wechibereko, kunyanya panguva yepabonde
• kubudisa tsvina kana kurwadziwa
• zvirwere zvemaziso

Ndingaitesei kana ndine gonoriya?


• Chiremba wako achakupa mushonga.
• Taurira mudiwa wako kana vadiwa kuti vandotariswa chirwere. Kana vane gonoriya, vanogona kukupa gonoriya kana kupa vamwe.
• Chiremba wako anogona kukubatsira kuti usarudze kuti woudza ani kuti une gonoriya. Chiremba wako anogona kuvaudza.
• Usaita zvepabonde nemumwe munhu, kunyange kushandisa kondomu, kusvikira wapedza kurapwa gonoriya.

gonoriya inogona kurapika here?


Gonoriya inogona kurapwa nejekiseni rimwe remishonga inorwisa mabhakitiriya.
Nguva dzose udza chiremba wako kana ukamboenda mhiri kwemakungwa. Chikonzero ndechokuti mamwe marudzi egonoriya haawanzove muAustralia uye anoda mushonga wakasimba.
Unogona kutapukirwa negonoriya zvakare kunyange yakamborapwa.

Ndingazvidzivirira sei kuti ndisawana gonoriya?


• Iwe nevadiwa vako endai munotariswa gonoriya. Gara uchitariswa kana uine vadiwa vakawanda vaunorara navo, kana kuti kana mumwe mudiwa wako achirara nevakawanda. Kana ukawanza vadiwa pabonde, mukana wekubata gonoriya unokurawo.
• Iwe nevadiwa vako endai munorapwa gonoriya kuitira kuti musaramba muchipanana gonoriyakana kupa vamwe vanhu.
• shandisai makondomu panguva yepabonde, mungava muchiita nekuzasi, kunobuda netsvina kana kuti nemuromo. Shandisa makondomu kunyange newawava nenguva refu uchidanana naye kana iwe uchiita zvepabonde nevamwe vanhu.
• Kurukura nevadiwa vatsva kuti mushandise makondomu musati marara mese.

Ndingaita sei kuti ndirege kupa gonoriya kune mumwe munhu?


• Usaita zvepabonde nemumwe munhu, kunyange nekondomu, kusvikira wapedza kurapwa uye usisina zviratidzo
• Shandisa kondomu nguva dzose paunenge uchiita zvepabonde kunyanya nemudiwa mutsva.
• Nguva dzese tariswa gonoriya kana uine vadiwa vakawanda, kana kuti kana mumwe wako achiita zvepabonde nevamwe vanhu.

Ndingawane kupi rubatsiro uye mazano?


Unogona kuwana rubatsiro kubva kuna:
• chiremba
• kiriniki yezveutano hwepabonde
• kiriniki yemunharaunda
• makiriniki okuronga mhuri

More information