Chii chinonzi ‘STI’?

STI zvinoreva kuti Sexually Transmissible Infections.

Ma STI zvirwere zvaunogona kutapukirwa nazvo pabonde


Ndingatapukirwa sei chirwere chepabonde?


Majemusi e STI anorarama paganda, muropa kana mumvura dzinobuda pabonde dzakadai sembeu yababa nemvura yemadzimai

Unogona kuwana chirwere chepabonde kuburikidza nekuita zvepabonde (nekuzasi, kunobuda netsvina kana kuti nemuromo) kana kubata nhengo dzakavandika.

Unogona kuwana chirwere chepabonde kana usingashandisi kondomu.

Zvirwere zvepabonde zvinoitei mumuviri?


Kuvanhukadzi Zvirwere zvinogona kukonzera:

  • kurwadziwa zvakanyanya nemudumbu
  • kubudisa tsvina nepanhengo yakavandika
  • madzvanga pedyo nenhengo yakavandika
  • mwana kuti akure kunze kwechibereko
  • mukadzi kuti akurumidze kusununguka (kubva pamuviri)
  • kuti mwana arware zvikuru

Kuvanhurume Zvirwere zvepabonde zvinogona kukonzera:

  • kutadzisa murume kuzvarisa
  • kubudisa tsvina nepanhengo yakavandika
  • kusiya madzvanga panhengo yakavandika
  • kukonzera kurwadziwa kunopisa pakuita weti

Ndingaziva sei kana ndine STI?


Vanhu vazhinji havazivi kuti vane chirwere chepabonde nokuti vanotaridzika uye vanonzwa zvakanaka uye havana zviratidzo. Nzira imwe chete yekuve nechokwadi ndeyekutariswa nachiremba. Zvirwere zvepabonde zvakasiyana zvinotariswa nenzira dzakasiyana. Izvi ndizvo zvinotariswa:

  • weti yako inotariswa
  • ropa rako rinotariswa
  • donje rinoshandiswa pakutarisa utachiona panhengo dzako dzakavandika

Unogona kutariswa chimwe chete kana kuti zvese zviri zvitatu. Chiremba wako achakuudza kuti unofanira kutariswa chii.

Zvirwere zvepabonde zvinogona kurapika here?


Zvimwe zvirwere zvepabonde zvinogona kupora nokukurumidza uye nyore nyore nemishonga. Zvimwe zvinogona kurapika asi hazviperi.

Unogona kuwana chirwere chepabonde zvakare kunyange wakamboshandisa mushonga chirwere chepabonde chikarapika.

Ndinofanira kutariswa rini?


Unofanirwa kutariswa zvirwere zvepabonde kana:

  • ukaita zvepabonde (kungava nekuzasi, nemuromo kana nekunobudisa tsvina) pasina kondomu
  • une chero zviratidzo
  • uri kunetseka nezvehutano hwako hwepabonde
  • uchifunga kuti unogona kuva nechirwere chepabonde
  • kondomu rako rakaputika kana kubva panguva yepabonde
  • iwe kana mumwe wako waita zvepabonde nemumwe munhu
  • iwe kana mumwe wako wakaita zvepabonde nevamwe vanhu munguva yakapfuura
  • uchishandisa tsono, majekiseni, zvipunu pakuzvibaya zvinodhaka zvakamboshandiswa nevamwe vanhu
  • ukatanga kurara nemumwe munhu mutsva

Chii chinonzi kutariswa STI?


Kutariswa kwacho hakutori nguva, hakurwadzi uye haubhadhari mari. Varume nevakadzi vanotariswa zvakasiyana. Chiremba kana mukoti anotora mvura yemumuviri, somuenzaniso, weti, mate, mvura inobuda panhengo yemudzimai, kana ropa. Zvimwe zvacho unogona kuzvitarisa pachako. Zvinotora vhiki imwe chete kana maviri kuti uzive mhinduro.

Ndine ‘STI’. Ndingaitei?


Kana zvikabuda kuti une STI, chiremba achakupa mishonga inokurumidza uye iri nyore kushandisa.Yeuka, zvimwe zvirwere zvepabonde zvinogona kurapwa asi hazviperi.

Ndinofanira here kutaurira ani zvake ndine STI?


Unofanirwa kutaurira mudiwa wako wepabonde, uye anofanirwawo kutariswa. Kana mudiwa wako wepabonde akasatariswa nekunwa mishonga, munogona kuramba muchipanana STI.

Kana usingakwanisi kuudza mudiwa wako wepabonde, bvunza chiremba wako kana mukoti kuti avataurire. Havaudzi mudiwa wako nezvako. Izvi zvinonzi ‘contact tracing’, zvichireva kuti vanotsvaga vangangova nechirwere.

Haufaniri kutaurira

• mukuru wekubasa

• vaunoshanda navo

• shamwari

• mhuri

Ndingaita sei kuti ndirege kupa chirwere kune mumwe munhu?


  • usaita zvepabonde kusvikira iwe nemumwe wako wepabonde wapedza mushonga
  • shandisa kondomu

Ndingaitei kuti ndisatapukirwa nechirwere chepabonde?


Nzira yakanakisisa yekudzivisa kuwana chirwere chepabonde ndeyokushandisa kondomu nguva dzose kana uchiita zvepabonde.

More information