Chii chinonzi sifirisi?

Sifirisi chirwere chinotapurirwa pabonde chinokonzerwa nemabhakitiriya anonzi Treponema pallidum.

Varume nevakadzi vanogona kubatwa nesifirisi.


Ndingatapukirwa sei nesifirisi?


Unogona kubatwa nesifirisi ne:

  • kubata chironda kana chisasa chesifirisi chemumwe munhu kunyange chisinganyatsi kuoneka
  • kuita zvepabonde nemuromo, nekuzasi kana nekunobuda netsvina pasina kondomu.
  • kusangana neropa rakatapukirwa

• vakadzi vane pamuviri vanogona kupa sifirisi kumwana wavo

Sifirisi nevana (kuberekwa nechirwere)


Mukadzi ane pamuviri anokwanisa kupa sifirisi kumwana wake kuburikidza neropa. Dzimwe nguva, mwana anogona kuberekwa akafa kana kukuvara. Izvi zvinonzi “congenital syphilis” (kuberekwa nechirwere) uye hazvinyanyi kuitika muAustralia.

Vacheche vanowanzoberekwa vasina zviratidzo zvesifirisi, asi vanogona kurwara zvikuru.

Ndinoziva sei kana ndine sifirisi?


Kazhinji hapana zviratidzo zvesifirisi, saka vanhu vane sifirisi vanonzwa vaine utano hwakanaka. Kutariswa ropa bedzi ndiko kunogona kukuudza kana une sifirisi.

Vakadzi vanofanira kutariswa sifirisi mumavhiki 12 ekutanga kubva pavanobata pamuviri kana pavanoenda kunoona chiremba kekutanga. Vamwe vakadzi vanogona kutariswa zvakare sifirisi pave paya vachiri nepamuviri.

Ndingaite sei kana ndine sifirisi?


  • Rega zvepabonde, kunyange nekondomu, kusvikira wapedza kurapwa sifirisi.
  • Kana uine sifirisi, kurukura nemudiwa wako kana vadiwa kuti vanotariswa.

Chiremba wako achakubatsira kusarudza kuti ndiani waunoda kuti ataure kuti une sifirisi uye anogona kuvaudza.

Sifirisi inogona kurapika here?


• Hungu, sirifisi inorapwa nemajekiseni. Urefu hwenguva yekurapwa hunoenderana nekuti sifirisi yacho yakomba zvakadini. Iva nechokwadi chekuti unoenda kunoona chiremba pese paunenge wanzi uuye.
• Mushure mokunge wapedza kurapwa sifirisi unofanirwa kutariswa zvekare kuti uone kuti wapora.
• Vakadzi vanogona kurapwa sifirisi vachangobata pamuviri kuti mwana asatapukirwa nesifirisi.
• Unogona kubata sifirisi zvakare kunyange sifirisi yakamborapwa kare.

Ndingazvidzivirira sei kuti ndirege kutapukirwa nesifirisi?


  • Iwe nevadiwa vako endai munotariswa sifirisi. Gara uchitariswa kana uine vadiwa vakawanda vaunorara navo, kana kuti kana mumwe mudiwa wako achirara nevakawanda. Kana ukawanza vadiwa pabonde, mukana wekubata sifirisi unokurawo.
  • Iwe nevadiwa vako endai munorapwa kuitira kuti musaramba muchipanana sifirisi kana kupa vamwe sifirisi kune vamwe vanhu.
  • Shandisai makondomu, mungave muchiita nekuzasi, kunobuda netsvina kana kuti nemuromo. Shandisa makondomu kunyange newawava nenguva refu uchidanana naye kana iwe uchiita zvepabonde nevamwe vanhu.
  • Kurukura nevadiwa vatsva kuti mushandise makondomu musati marara mese.

Usaita zvepabonde nemumwe munhu ane sifirisi, kunyange nekondomu, kusvikira apedza kurapwa.

Ndingaita sei kuti ndirege kupa sifirisi kune mumwe munhu?


  • Usaita zvepabonde nemumwe munhu, kunyange nekondomu, kusvikira mushonga wako wapera.
  • Nguva dzese tariswa sifirisi kana uine vadiwa vakawanda,kana kuti kana mumwe wako achiita  zvepabonde nevamwe vanhu. Unogona kubatwa nesifirisi zvekare.

Ndingawane kupi rubatsiro uye mazano?


Unogona kuwana rubatsiro kubva kuna:

• chiremba

• kiriniki yezveutano hwepabonde

• kiriniki yemunharaunda

• makiriniki okuronga mhuri

More information