Chii chinonzi hepataitisi B?

Hepataitisi B ndiro zita reutachiona uye zita rechirwere chahunokonzera. 

Hepataitisi B inoita kuti chiropa chako chirware. Kunwa doro rakawandisa kunogona kukonzera izviuye kushandisa zvinodhakamamwe makemikari nehumwe utachiona. 

Chiropa chako chakakosha zvikuru pautano hwako. Kana chikakanganiswa chinogona kusashanda zvakanaka uye chinogona kuita kuti urware zvikuru. 

Dzimwe nguva hepataitisi B inonzi “hep B”. 


Ndingatapukirwa sei nehepataitisi B?


Hepataitisi B inotapukira kana ropa nemvura dzepabonde zvemunhu ane hepataitisi B zvikapinda muropa rako. Unogona kuwana hepatitisi B kunyange kana ropa kana mvura dzepabonde zviri zviduku zvekusaoneka.

Vacheche nevana vaduku

• amai vane hepataitisi B vanogona kupa mwana wavo pakusununguka kana mwana asina ku

• mwana ane hepataitisi B anogona kupa mumwe mwana asina kudzivirirwa, kuburikidza ne asina mabhandeji

Vanhu vakuru Unogona kuwana hepataitisi B kubva pa:

• zvepabonde, kungava nekuzasi, nekunobuditsa tsvina kana nemuromo usina kondomu

• kushandisa mese tsono, majekiseni nezvipunu pakuzvibaya zvinodhaka

• kuiswa matatuu, kuboorwa kana kutemwa nyora nemidziyo isina kuchena

• kushandisa chekukweshesa mazino chimwe chete kana reza kana zvekupara nzara

• kungobayiwa netsono kana kudonherwa neropa rine utachiona

Haugoni kutapukirwa nehepataitisi B kubva pa:

• kumbundirana

• kutsvodana

• kugoverana zvokudya uye midziyo yekudyisa

• kudya zvokudya zvakagadzirwa nemunhu ane hepataitisi B

• kurumwa nezvipembenene kana mhuka

• dikita

• kuwacha nguo

• kuhotsira kana kukosora

• kushandisa zvimbudzi kana dzimba dzokugezera

• maduhwino

Ndinoziva sei kana ndine hepataitisi B?


Vanhu vazhinji havana zviratidzo uye havanzwi kuti vanorwara. Nzira chete yauchazoziva ndeyekutariswa ropa.

Paunotanga kubatwa nehepataitisi B unogona:

• kurutsa

• kuita fivha

• kusada kudya

• kuita weti yakasviba

• kurwadziwa nechiropa (pasi pembabvu iri kurudyi)

• kurwadziwa mumajoini

• kuita maziso eyero uye kutsvukuruka ganda (jaundice)

Hepataitisi B inoita sei mumuviri wangu?


Hepataitisi B inopinda mumasero muchiropa chako uye inoita kuti chirware. Muviri unoshanda zvakaoma kurwisa utachiona muchiropa. Hondo iyi inokuvadza chiropa uye, kwemakore mazhinji, inogona kuparadza chiropa chorega kushanda.

Muvanhu vakawanda vakuru, muviri unobvisa hepataitisi B mukati memwedzi mitanhatu yekuubata, uye haugone kutapukirwa zvakare.

Asi muvana vaduku nevamwe vanhu vakuru, dzimwe nguva muviri haugone kurwisana nawo, uye hepataitisi B inogara mumuviri kwehupenyu hwese. Iyi inonzi ‘hepataitisi B isingarapiki’ uye zvinogona kukonzera kukuvadzwa kwechiropa, kuora kwechiropa nekenza yechiropa. Mishonga inogona kuderedza kuparara kwechiropa uye kudzivirira kenza yechiropa.

Chii chandingaita kana ndine hepataitisi B?


UNOFANIRA kuona chiremba wako mwedzi mitanhatu kusvika kune gumi nemiviri, kunyange kana uri kunzwa zvakanaka. Nemhaka yokuti hepataitisi B haikurwarisi. Kana uchinzwa kurwara imhaka yekuti chiropa chinenge chatokanganis

Kuwedzera pakutariswa ropa, chiremba wako anogona kuita sikani inonzi Fibroscan®. Sikani iyi inoudza chiremba wako kana pane chiropa chakanganisika kana kuita madzvanga uye kuti zvakomba zvakadini. Chiremba achazosarudza kana uchida mishonga kana kuenda kuchipatara chechiropa kana kuona mazvikokota wechiropa.

 

 

Hepataitisi B inorapika here?


Ehe, pane mushonga wehepataitisi B. Asi havasi vanhu vose vane hepataitisi B vanoda mushonga. Chiremba wako achakuudza kana uchida mushonga. Mishonga haigone kurapa hepataitisi B. Asi inokwanisa kudzora kukanganisa kuchiropa chako, kuderedza mukana wekuwana kenza yechiropa uye kubatsira chiropa kuzvigadzirisa chega. Taura nechiremba wako pamusoro pemishonga wakanyanya kukunakira.

Ndingabatsira sei chiropa changu?


inwa doro shoma kana kurega

idya kudya kwakakwana, kunovaka muviri, kwete mafuta akawanda

rega kana kuti deredza kusvuta

rovedza muviri nguva dzose

gadzirisa kushushikana kwako uye wana rubatsiro

taurira chiremba wako kana uri kutora mishonga yakadai semahebhisi, mavhitamini, kana mishonga yechiChina. Zvimwe zvacho zvinogona kukuvadza chiropa, kunyanya kana zvichinwiwa zvakawanda kana kwenguva yakareba

zvidzivirire kune zvimwe zvirwere nekuti zvinogona kukuvadza utano hwako uye zvinokonzera kukuvara kwechiropa:

  • – dzivirirwa hepataitisi A

    – usashandisa tsono nezvipunu pakunwa zvinodhaka

    – shandisa makondomu

Ndingaita sei kuti ndirege kutapukirwa kana kupa mumwe hepataitisi B?


Kudzivirirwa

Kudzivirirwa ndiyo nzira yakanakisisa yekurega kuparadzira hepataitisi B.

Hakuna njodzi uye kunokuchengetedza 95%.

Unobayiwa majekiseni 2 kana 3 pamwedzi 6, zvichienderana nezera rako.

MuAustralia, vacheche vose vasati vasvitsa gore 1 vanobayiwa majekiseni 4 pamwedzi mitanhatu. Majekiseni ekudzivirira anokurudzirwa kuvana vane makore 10 kusvika ku13 vasina kuwana majekiseni vachiri vana.

Kana amai vaine hepataitisi B mwana wacho anobayiwa rimwe jekiseni mukati memaawa gumi nemaviri ekuzvarwa. Izvi zvinopa mwana dziviriro yakanaka. Kana vacheche vava nemwedzi 9, vanofanira kuongororwa kuti vaone kuti havana hepataitisi B.

 

Kudzivisa kupa hepataitisi B kumumwe munhu:

  • iva nechokwadi chokuti vanhu vaunogarisana navo pedyo vakadzivirirwa
  • shandisa makondomu
  • usashandisa zvekukweshesa mazino, reza kana zvimwe zvinhu zvinogona kuva neropa, kusanganisira ropa rakaoma
  • usarega vamwe vanhu vachibata maronda ako kunze kwekuti vane magiravhu.
  • usashandisa tsono, majekiseni kana zvimwe zvinoshandiswa pakuzvibaya zvinodhaka
  • usadhoneta ropa, mbeu yababa, nhengo kana zvimwe zvinobva mumuviri

• taura nachiremba wako pamusoro pemishonga yekudzivirira inofanira kupiwa mwana wako  kana uine pamuviri kana kuti uchida kuva nemwana

Ndinofanira kutaurira ani zvake kana ndine hepataitisi B here?


Unofanirwa kutaurira mhuri yako, vanhu vaunogara navo uye mudiwa wako wepabonde (kana vadiwa) kuitira kuti vatariswe ropa vobayiwa majekiseni ekudzivirira. Chiremba wako anogona kukubatsira kuti uite izvi.

Kana uchida kupinda basa kuAustralia Defence Force, unofanira kuvaudza.

Unofanira kutaurira kambani yeinishuwarenzi yako. Kana ukasavaudza, havazokubhadhara mari kana iwe ukarwara kana kukuvara.

Kana uri mushandi wezveutano anoita zvirongwa zvekurapa apo iwe haugone kuona maoko ako (akadai chiremba kana chiremba wemazino), unofanira kutaurira waunoshandira kana mutariri uye uwane mazano kubva kune chiremba.

Haufaniri kutaurira mukuru wako wepabasa, vanhu vaunoshanda navo kana kudzidza navo kana shamwari dzako.

Kuudza vanhu vakaita sachiremba wako wemazino kana chiremba kuchavabatsira kuti vakwanise kukurapa zvakanakisisa, asi izvi zviri kwauri. Kana ukasarudza kuvaudza, havafaniri kuudza ani zvake.

Unogona kutaura nevamwe vanhu vanogona kukunzwisisa nekukutsigira. Tora nguva yako kuti usarudze waunofunga kuti unogona kuvimba naye

Ndingawane kupi rubatsiro uye mazano?


Kune masangano akawanda ehepataitisi B muAustralia anogona kukupa rubatsiro, mazano nerutsigiro.


Get support from the hepatitis community

More information