Chii chinonzi hepataitisi C?

Hepataitisi C utachiona hunokanganisa chiropa chako. Kunwa doro rakawandisa, kushandisa zvinodhaka, mamwe makemikari uye humwe utachiona hungakanganisa chiropa.

Chiropa chako chakakosha chaizvo pautano hwako. Kana chiropa chikakuvadzwa kana kukanganiswa, chinogona kutadza kushanda zvakanaka worwara zvakanyanya.

Dzimwe nguva Hepataitisi C inonzi “Hep C”.


Ndingatapukirwa sei nehepataitisi C?


Unogona kutapukirwa nehepataitisi C kubva muropa remunhu ane hepataitisi C. Kunyange kana ropa racho ari madonhwe maduku asingaoneki, unogona kutapukirwa nehepataitisi C.

Maitiro ane njodzi yakanyanya
• kushandisa mese tsono, majekiseni nezvipunu pakuzvibaya zvinodhaka ndiyo nzira yakakura inotapukira nayo hepataitisi C
• kuiswa matatuu, kuboorwa kana kutemwa nyora nemidziyo ine tsvina
• kuboorwa ganda, kubviswa mazino nemidziyo yakasviba

Maitiro ane njodzi duku
• amai vane hepataitisi C vanogona kupa mwana wavo vaine pamuviri kana kuti pakusununguka
• kushandisa chekukweshesa mazino chimwe chete kana reza
• vanoita zvekurapa vanogona kubayiwa netsono yemurwere
Haugoni kutapukirwa nehepataitisi C nekuita izvi:
• kushandisa chimbudzi kana imba yekugezera imwe chete
• dikita kana kuwacha mbatya nemunhu ane hepataitisi C
• kushandisa makapu, mapanga nemaforogo, magirazi
• kudya zvekudya zvinenge zvabikwa nemunhu ane hepataitisi C
• kuhotsirirwa, kukosorerwa, kutsvodana kana kumbundirana
• maduhwino
• kurumwa nemhuka kana zvipukanana (zvakadai semosikito)

MuAustralia, kubayiwa majekiseni ekudzivira, kuwedzerwa ropa nekumwe kurapwa kana kutariswa mazino hazvina njodzi kana maitiro ose anodiwa akatevedzwa.

Ndingaziva sei kana ndine hepataitisi C?


Vanhu vazhinji havaratidzi kana kunzwa kurwara. Chiratidzo chikuru kuda kurutsa kana kunzwa dzungu.

Ndinofanira kutariswa rini?


Kumbira chiremba akutarise kana:

  • wakambobaya zvinodhaka, kunyange kamwe chete kare kare. (Zvinodhaka zvinosanganisira ma steroids)
  • wakamboiswa mujeri kune chero nyika
  • wakambopiwa nhengo yemuviri kana kuwedzerwa ropa mu Australia gore ra 1990 risati rasvika kana kuti kune imwe nyika dzisati dzava kutarisa hepataitisi C
  • matatuu kana nyora
  • uchibva kunyika dzine vanhu vakawanda vane hepataitisi C semuAfrica, Middle East (kunyanya Egypt), kuMediterranean, Eastern Europe, nekuSouth Asia
  • amai vako vane hepataitisi C
  • uri munhurume, uine HIV uchirara nevamwe varume
  • mudiwa vaunorara naye aine hepataitisi C

Hepataitisi C inoita sei mumuviri wangu?


Utachiona hwehepataitisi C hunopinda muchiropa chako hwoberekana imomo. Muviri unorwisa utachiona hwacho uho hunogona kukanganisa chiropa. Dzimwe nguva muviri wako unokwanisa kurwisa utachiona hwese. Izvi zvinowanzoitika mumwedzi mitanhatu wabva kutapukirwa neutachiona hwacho.

Miviri yevanhu vakawanda haikwanisi kurwisa utachiona hwese. Kwemakore mazhinji, chiropa chinokanganiswa choita madzvanga madzvanga. Izvi zvinonzi ‘kuora kwechiropa’ uye zvinogona kukonzera kenza yechiropa, chiropa chotadza kushanda.

Hepataitisi C inorapika here?


Hongu. Chiremba wako anogona kukupa mushonga wekurapa hepataitisi C.

Ndinofanira kuudza mumwe munhu kuti ndine hepataitisi C here?


Mutemo unoti unofanira kuudza vanhu ava:

  • kana ukadhoneta ropa
  • kana ukadhoneta nhengo yemuviri (yakadai seitsvo) kana zvimwe zvakaita mvura (zvakadai sembeu yababa)
  • mamwe makambani einishuwarenzi anokumbira kuti uvaudze kana uine hepataitisi C kana zvimwe zvirwere. Kana ukasavaudza, vanogona kuzoramba kukubhadhara
  • kana uchida kupinda basa kuAustralia Defence Force (ADF), unofanira kuvaudza.
  • Kana uri mushandi wezveutano uyo anoita zvirongwa zvekurapa asi usingagone kuona maoko ako (akadai sachiremba anovhiya kana chiremba wemazino), unofanira kutaurira waunoshandira kana mukuru wepabasa uye uwane mazano kubva kuna chiremba ane unyanzvi.

Haufaniri kutaurira:

  • mukuru wepabasa
  • vaunoshanda navo kana vaunodzidza navo
  • mhuri
  • shamwari.

Chiremba wako anogona kuudza vemumhuri yako.

Ndingaita sei kuti ndirege kutapukirwa nehepataitisi C?


  • usashandisa tsono, majekiseni kana matisipunu akashandiswa nemumwe pakunwa mishonga
  • nyatsosarudza kwaunoda kuiswa matatuu kana kuboorwa. Enda kunana mazvikokota vakanyoreswa pamutemo. Iva nechokwadi chokuti vanoshandisa tsono itsva neinki itsva pamunhu ega ega
  • nguva dzese shandisa makondomu kana uine vadiwa vepabonde vakawanda, zvikuru kana uri murume anoita zvepabonde nevarume
  • usabvuma ropa kana mishonga yeropa yemunyika dzisingatarisi ropa rinenge radhonetwa
  • usashandisa zvekukweshesa mazino kana reza yakashandiswa nemumwe munhu
  • kana uri mushandi wezveutano, nguva dzose tevera zvinodiwa pakuzvidzivirira

 

  • Kunyangwe wakanga uine hepataitisi C munguva yakapfuura uye wakatora mishonga yekurapa, unogona kutapukirwa nehepataitisi C zvakare.

Ndingawane kupi rubatsiro uye mazano?


Kune masangano akawanda ehepataitisi C muAustralia anogona kukupa rubatsiro, mazano nerutsigiro.


Get support from the hepatitis community

More information